spot_img

Nei Tichigara Tichichema Nehupenyu: Dzidziso Kubva KunaGogo Chihoro

Vazukuru vangu, ndinonyora izvi ndichirwadziwa pamoyo asi ndichida kukuzarurirai chokwadi chatakasiya munzira. Mazuva ano vanhu vazhinji vanogara vachichema nehupenyu, vachishamisika kuti sei zvese zvavanosvika zvisingafambi zvakanaka. Mhinduro iripo, asi takafuratira tsika dzedu.

Chekutanga, vazhinji vedu takasiya nzira dzemadzitateguru. Tsika nemagariro edu ndizvo zvaive nheyo dzeupenyu. Kana izvi zvaparadzwa, midzimu inokutsamwira, ndipo panotangira kuoma kwehupenyu. Unogona kutoudzwa kuti pane chivanhu chiri pauri chinoda kugadziriswa, asi wosarudza kuchiregeredza. Unofunga kuti zvichapera zvoga, asi zvinopedzisira zvakuunzira hurwere husingaperi, kushaya rombo, uye kushaya budiriro. Kunyangwe ukabata basa ripi, hapana chinobuda nekuti midzimu yako inenge yakufuratira.

Makare, vana vaipinda mumasango kunoshava kana kunovhima vaiziva tsika. Zvaizosumirwa, vabereki nevakuru vachiziviswa, kuitira kuti mwana achengetedzwe nemadzitateguru. Asi nhasi uno, vana vedu vari kuyambuka makungwa kunoshava, kuenda kunyika dziri kure, vasina kusumira, vasina kutaura nevaripasi. Ndipo paunozonzwa vachiti “ndakaroyiwa,” asi chokwadi ndechekuti nhamo nematambudziko hazviperi nekuti tsika dzakatyoka.

Kana une chivanhu chiri pauri, wozobva waenda kumhiri kwemakungwa usati wagadzirisa, usafunge kuti zvichafamba zvakanaka. Nhamo inoramba yakakunamatira, matambudziko achikutevera sezvuruva, nekuti vadzimu vako ndivo vaifanira kukuchengetedza. Kana ivo vasisina mufaro, hapana mushavi ane simba rekukuvakira rombo.

Unoona vamwe pwere dzichibudirira, dzichishava zvakanaka, hupenyu hwavo huchivhurika. Iwe wozosara uchinetseka, uchibvunza kuti “sei ini?” Hazvisi mhosva yako zvachose, asi dambudziko nderekuti fodya haina kukandwa pasi. Tsika hadzina kuremekedzwa.

Hakuna mwana weMutema anobuda mumba asina chirevo. Vazhinji varikutumirwa misewe ichivabaya, vamwe hurombe huchivabata, vamwe hupenyu huchivavharira, nekuti vakaenda vasina kutaurira varipasi, vakaenda vasina nhahwa yevakuru vavo. Munhu haangobvi pamusha seanobuda senyoka, kwete.

Saka ndinopedzisa ndichiti kwamuri vazukuru vangu: dzokai kumusha. Gadzirisai chivanhu chenyu. Taurai nevakuru, sumirai, rongai zvamakasiya. Ipapo hupenyu hunotanga kufamba zvakanaka, mikova ichivhurika, rombo richidzoka. Ndipo panoyendeka hupenyu, muzukuru wangu.

Kune vanoda rubatsiro kana kutungamirirwa nezano raGogo Chihoro, munogona kumuwana muHarare mazuva eSvondo, Muvhuro, Chitatu neChishanu. Gogo Chihoro vanogamuchira vanhu vachitsvaga mazano ehupenyu, kugadzirisa zvavanenge vakasangana nazvo, pamwe nekutungamirwa maererano netsika nemagariro echivanhu. Kuti muronge nguva kana kubvunza zvimwe, munogona kufonera +263 714 204 235 kana +263 781 150 770.

Join Our WhatsApp Channel - https://whatsapp.com/channel/0029VayakkT60eBljXo25N2V

For comments, Feedback and Opinions do get in touch with our editor on WhatsApp: +44 7949 297606.

Related Articles

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Latest Articles